Chidzidzo 5 cha Chivabvu 4 2019 Wanano Kuvimbika Hukama Hunhu Vabereki Hubereki Dzidzo Rugwaro rwa Zvirevo rwakapfuma neyambiro pamusoro pe ukama Ngatitarisisei ID: 785258
Download The PPT/PDF document "MAZWI EHUNGWARU KUDZIMHURI" is the property of its rightful owner. Permission is granted to download and print the materials on this web site for personal, non-commercial use only, and to display it on your personal computer provided you do not modify the materials and that you retain all copyright notices contained in the materials. By downloading content from our website, you accept the terms of this agreement.
Slide1
MAZWI EHUNGWARU KUDZIMHURI
Chidzidzo
5 cha
Chivabvu
4, 2019
Slide2Wanano:Kuvimbika
Hukama
HunhuVabereki:HuberekiDzidzo
Rugwaro rwa Zvirevo rwakapfuma neyambiro pamusoro pe ukama.Ngatitarisisei yambiro ya Zvirevo kumhuri;hukama huri pakati pevakaroorana uye ukama pakati pevabereki nevana vavo.
Slide3KUVIMBIKA
“
Nokuti miromo
yomukadzi chifeve inodonha uchi,nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta; asi pakupedzisira anovava senduru,anopinza somunondo unocheka namativi ose.” (Zvirevo 5:3-4)Munhu ane huMwari anochengetera(kana asiri muwanano) uye anochengetedza(kana ari muwanano) kuda kwake
kwakadzika ne
bonde
kuwanano.Zvirevo
5 anotsanangura
zvinozoitika zvakashata
mushure mebonde
risiri muwanano
.
Naizvozvo
Soromoni
anotirayira kuti tiende pabonde neuyo watakaroorana naye(v. 15-17), uye fara nguva dzose “nemudzimai [kana murume] we hudiki [hwedu].” (v. 18).
Tinogona kuzorasikirwa neupenyu husingaperi (v. 5)Kushaikwa kwekuzvimisira kunokonzera hukama husina kusimba(v. 6)Zvinounza kusuruwara(v. 11-14)
Slide4HUKAMA
“
Zviri nani
kugara pakona yedenga remba,pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.” (Zvirevo 21:9)Kugara mudenga remba? Rugwaro rwa Zvirevo rwakazara ne magudziramukanwa seiri (19:24; 27:14) zvinotikurudzira kuti tirtore hukama hwedu neka jee.Kufara kunoita kuti kutaudzana kunyatsoendeke.Kunotibatsira kuti tigadzirise nyaya zviri nyore.Zvakadaro, jee
harifanirwi kushandiswa kuti nyaya
dzinorema dzisasanganikwe nadzo.
Kupikisana,kushatirwa
uye
zvinyunyuto
zviratidzo zveukama husina kumira mushe.Zvakadaro,kutaurirana
murudo uye kuine kurevesa zvakakosha kwazvo kuhukama
hwedzimhuri
hwakanaka
.
Slide5“
Murume kana mukadzi haafanirwi kuedza kutonga mumwe wake pamadiro.Usaedze kumanikidza mumwe kuti aite zvidiso zvako.Haukwanisi kuita izvi woramba uchingodiwa nemumwe wako.Iva netsitsi,utsungirire,uchitorawo pfungwa dzemumwe uye uine mwoyo munyoro.Nenyasha dza Mwari munogona kubudirira kuti mufadzane,sekupika kwamakaita musi wemuchato.”
E.G.W. (The Adventist Home, p. 118)
Slide6HUNHU
“
Mudzimai ane
unhu hwakanaka ndiani angamuwana?Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.” (Zvirevo 31:10)Zvirevo 31:10-31 idetembo. Ndima imwe ne imwe ye detembo iri inotanga nevara rechi Hebhuru.Detembo iri rinotsanangura hunhu hunodiwa nekutarisirwa kune ari muwanano.Huwandu hwe hunhu hunotarisirwa kumudzimai chaiye (kana murume) zvinogona kuita kunge tinotarisirwa zvizhinji.Pfungwa huru hakusi kuti iva zvose zviripo,asi ita nepaunokwa (Muparidzi 9:10; VaKorose 3:23).
Slide7Tinokurudzirwa
kuti
tiumbe hunhu hwemudzimai uyu:HUNHUChikuru pakuumba hunhu uhu kutya Mwari (v. 30).“Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana?Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.” (Zvirevo 31:10)
Slide8HUBEREKI
“
Uyo anotya Jehovha ane
nhare yakasimba,uye ichava utiziro kuvana vake.” (Zvirevo 14:26)Zvirevo anotidzidzisei pakuti vabereki vanofanirwa kudini?Vabereki nevari muwanano vakangwara vanotsvaga rubatsiro rwa
Mwari kuti
vasarudze zvakanaka.
Slide9DZIDZO
“
Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana
wake,asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.” (Zvirevo 13:24)Kamuti kadiki kanoda kutsigira,kutariswa nechengetedzo kuti kakure zvakanaka.Nenzira imweyo, vana vanoda kurangwa kubva vachiri vadukuduku kuti vave nenhunhu kwahwo. (Zvirevo 19:18).
Kuramba
vachingodiwa uye kudzidziswa kune kutsungirira zvakakosha
pakugadzirisa nekudzoreredza, pamwe chete nekuvaratidza muenzaniso yakanaka
nguva dzese.
Chitema
chinokanganisa zvese vabereki nevana,nekudaro zvakakosha kuti
titsvage
kuti
totungamira sei uye simba kubva kuna Mwari kuti tidzidzise vana vedu uye tivatungamire kuna Kristu.
Slide10“Kunzwira ne rudo zvinodiwa pakushanda nevana chinogona kuva chikomborero mumhuri chero ipi zvayo.Zvinogona kudzora vana kune avo vanoda rufaro rukuru uye zororo.Kuvepo kwevana mumhuri kunounza kutapira.Mwana anokudzwa mukutya Mwari chikomborero.
Chengetedzo ne rudo kuvana vanoteerera kunobvisa matiri kusabata vamwe zvakanaka,kunotiita kuti tive vanyoro uye tinzwire,uye kune chekuita patinoumba hunhu hwedu hunokudzwa.”
E.G.W. (The Adventist Home, cp. 23, p. 160)