/
SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE

SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE - PowerPoint Presentation

collectmcdonalds
collectmcdonalds . @collectmcdonalds
Follow
346 views
Uploaded On 2020-08-28

SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE - PPT Presentation

Chidzidzo 4 cha Chikunguru 25 2020 Munamato wekureverera Kunamata pane kupokana Kunamatira vanhu zvakatsanangurika nemazita Kunamatira vamwe vatendi Mwari ID: 809258

mwari kuti uye munamato kuti mwari munamato uye vanhu kana vamwe tinofanirwa kunamatira munhu vaefeso minamato dhanieri jesu zvakatsanangurika

Share:

Link:

Embed:

Download Presentation from below link

Download The PPT/PDF document "SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE" is the property of its rightful owner. Permission is granted to download and print the materials on this web site for personal, non-commercial use only, and to display it on your personal computer provided you do not modify the materials and that you retain all copyright notices contained in the materials. By downloading content from our website, you accept the terms of this agreement.


Presentation Transcript

Slide1

SIMBA REMUNAMATO: KUREVERERA VAMWE

Chidzidzo

4 cha

Chikunguru

25, 2020

Slide2

Munamato

wekureverera

:

Kunamata pane kupokanaKunamatira vanhu zvakatsanangurika nemazitaKunamatira vamwe vatendiMwari anonzwa minamato yeduTinofanirwa kunamata sei

Shoko raMwari rinotikurudzira kuti“rambai muchinyengetera” (1 VaTesaronika 5:17). Pakutsanangudza kwaPauro nhumbi dzokurwa dzemuKristu,anotaura kuti tinofanirwa “kunyengetera nguva dzose,” uye akakumbira vaEfeso kuti vamunamatire(VaEfeso 6:18-19).Munamato wakanyanyosimba kana ukashandiswa pakureverera vamwe, vangave vanotenda kana vasingatendi.

Slide3

KUNAMATA PANE KUPOKANA

Nokuti

hatirwi nenyama neropa, asi naʋaɓati, naʋanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemŋeya

yakaipa yeɗeŋga.” (VaEfeso 6:12)Tinorarama mukupokana munotosvika muchadenga. Kupokana pakati pechakanaka nechakaipa,pakati paKristu naSatani. Munhu wegawega ane divi raanoshumira, uye vanhu vazhinji havana

chokwadi chekwavakarerekera.Hapana kuti“munhu wese kuchiuto

” kurutivi rwaKristu. Hapana waanomanikidza kuti amutevere. Haatombopindiri

kana tikasamutendera.

Munamato

wekureverera inzira yatino“bvumidza” Mwari

kuti apindire muupenyu hwevatinonamatira.Mwari anoremekedza

sarudzo

yedu

yekuvanamatira

uye anotobata zvine simba guru muupenyu hwavo.

Slide4

KUNAMATIRA VANHU ZVAKATSANANGURIKA NEMAZITA

Simoni

!

Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo;asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda

kwako kurege kupera.’” (Ruka 22:31-32)Jesu aiva munhu wemunamato panguva yake paNyika.Kukura kwaiita kupokana,iyewo aibva azvipira nguva zhinji mumunamato.Aisavimba nesimba rake kuti akurire

hondo dzakaipa.Aivimba nguva dzose kuti awane

simba raSamasimbaose kubudikidza nemunamato.

Akasiya

muenzaniso

wekunamatira

vanhu

zvakatsanangurika

nemazita,sezvaakaitira Petro. Jesu aiziva kuti Petro aisaziva kuti

anoda

rubatsiro

husiku

ihwohwo.Nekudaro

Jesu

akamureverera

.

Mwari

anotikurudzira

kuti

tiunze

vanhu

zvakatsanangurika

nemazita

avo

kuchigaro

chake

tovasiya

mumaoko

Ake.Tinofanirwa

kuramba

tichivanamatira

kusvika

taona

zvatinoshuwira

.

Rangarira

kuti

Jesu

arikutirevererawo

mumwe

nemumwe

wedu

iko

zvino

.

Slide5

KUNAMATIRA VAMWE VATENDI

Handiregi

kuʋoŋga pamsoro penyu, ndicikuraŋgarirai paminyeŋgetero yaŋgu:” (VaEfeso 1:16)

Pauro aigaronamatira vamwe vatendi. Chii chaakakumbira? Wona VaEfeso 1:17-23.Pauro aigarotendawo nekukura pamweya kwehama dzake,semumunamato wake munaVaFiripi 1:3-11. Akavanamatira kuti vaenderere mberi pakukura mukutenda.Tinofanirwa kunamatira

hama dzedu sezvaiitwa naPauro, kuti vagosimbiswa

nekukurudzirika murwendo rwavo rwechiKristu.

Slide6

MWARI ANONZWA MINAMATO YEDU

Ipapo

akati kwandiri, ‘Usatya Danieri, nokuti kubva pazuʋa rokutaŋga rawakafuŋga

nomŋoyo wako wose kunzwisisa nokuɀininipisa pamberi paMŋari wako, mashoko ako

akanzwika; ndaʋuya

nokuɗa kwamashoko

ako.’” (

Dhanieri 10:12)

Dhanieri ainetseka nekuda

kwechimiro cheavo vainge vadzokera kuJerusarema vachibva

Bhabhironi

.

Dhanieri

akanetsekana,akavanamatira kwemazuva 21.Zvaiita sokunge munamato wake wainge usingapindurwi

mumazuva

ose

aya

.

Chimiro

change

chisiri

kushanduka

zvachose

.

Mwari

akatumira

chiratidzo

kumuporofita

ainge

asuwa

panguva

chaiyo

yaive

yakafanira

.

Akavimbisa

Dhanieri

kuti

minamato

yake

yainge

yanzwikwa

kubva

pane

wekutanga

.

Mwari

ainge

achishanda

pane

dzimwe

ndima

dzehondo

asati

apindura

munamato

waDhanieri

.

Anonzwa

munamato

wese

wekureverera

,

nyangwepo

tichigona

kufanirwa

kumirira

mhinduro

.

Slide7

TINOFANIRWA KUNAMATA SEI

Kana

ndirini

, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi

.” (1 Samueri 12:23)Minamato yedu yekureverera inofanirwa kuva ineudzamu,kurevesa uye zvayakananga.Pauro akanamatira vanhu vaaive akananga(e.g. vaaishanda navo) nemasangano nemazita awo(e.g. Efeso kana Firipi). Akakumbirawo sangano kuti rinamatire kusunungurwa

kwake kana kuti kuparidza kwake kusimbiswe (VaFi. 1:19; VaKoro. 4:3).

Tinofanirwa kunamatira avo vatinoziva kuti havasati vasangana

naMuponesi kusvika zvino (Jn. 17:20), vatendi kuti vasimbiswe(VaEfe

. 3:14-16), nekuti Mwari avaregererewo.(1Jn. 5:16), kuchengetedzwa kweavo varikupindana

nenguva dzakaoma (Mabasa 12:12)…

Patinonamatira vamwe,tinova mugero wekukomborerwa kwavo

naMwari

.

Slide8

“Kureverera

kunosanganisirei

?

Ingetani yendarira

inobatanidza munhu ane pekugumira,nechigaro chaMwari asina magumo. Munhu akafirwa naKristu anotorerwa zvikumbiro zvake naKristu uyo akamutenga neropa Rake.Mupirisita

Mukuru wedu anoisa kururama kwake parutivi pemukumbiri anorevesa,uye munamato waKristu unosanganidzana newemunhu anokumbira.”E.G.W. (That I May Know Him, March 13)

Slide9

“Tanga

kunamatira

mweya; huya

pedyo naKristu, pedyo nerutivi rwake rwunochururuka ropa. Hupenyu hwenyu ngaufukwe nemweya weunyoro,uye mikumbiro yenyu ine kuzvininipisa dai yakwira

kuna iye kuitira zivo kuti mugokunda,mukuponeswa kusiri kwemweya yenyu yoga,asi nemweyawo yevamwe.”E.G.W. (Testimonies for the Church, book 1, cp. 86, p. 513)