Chidzidzo 8 cha Nyamavhuvhu 24 2019 Zvatinokoshesa nepesvedzero Mhinduro kukusaruramisira Mabasa e rudo Zvatinoisa pamberi Kushumira vamwe Pane imwe nhambo Petro ID: 785596
Download The PPT/PDF document "“MUMWE WAVADUKU AVA”" is the property of its rightful owner. Permission is granted to download and print the materials on this web site for personal, non-commercial use only, and to display it on your personal computer provided you do not modify the materials and that you retain all copyright notices contained in the materials. By downloading content from our website, you accept the terms of this agreement.
Slide1
“MUMWE WAVADUKU AVA”
Chidzidzo
8
cha
Nyamavhuvhu
24, 2019
Slide2Zvatinokoshesa
nepesvedzeroMhinduro kukusaruramisiraMabasa e rudoZvatinoisa pamberi
Kushumira vamwePane imwe nhambo, Petro
akataura muchidimbu
hushumiri
hwa Jesu: “[Iye] waipote‐nyika, aciita ɀakanaka, aciporesa ʋose ʋakamanikidzwa naDiaborosi; nokuti Mŋari waiʋa naye. ” (Mabasa 10:38).Mushure me Mharidzo pa Gomo (Mateo 5-7), Jesu akatidzidzisa kuti vagari ve Humambo hwe Kudenga vanofanirwa kurarama sei.
Hupenyu hwa Jesu muenzaniso we dzidziso Dzake. Pfupiso yakaitwa na Petro yehushumiri hwa Jesu zvinoratidza misimboti yeHumambo.
Slide3“
Makaropafadzwa imi […] Muri munyu wenyika […] Muri chiedza
chenyika.” (Mateo 5:11, 13, 14)Ndizvo zvinotiita tive vakaropafadzwa (vakafara): Kuva varombo pamweya, kuchema nekuda kwechitema, kuva
vanyoro, kutaura kururama, kuva netsitsi, kuva
nemifunga
yakachena, kuva vayananisi, kutakura kusaruramisirwa pamusoro pedu.ZVATINOKOSHESA NE PESVEDZEROZvizhinji zveizvi zvinoenderana nemabatiro atinoita vamwe.Tiri zviedza kana tichiisa chiedza muupenyu hwevamwe kubudikidza nemazwi uye mienzaniso.Tinofanirwa kurarama nevamwe vahu kuti tigogona kuzova munyu, tichipesvedzera uye tichiita kuti raramo yavo ive nani.
Slide4“
Vateveri va Kristu vanofanirwa kuva chiedza chenyika;asi Mwari haavakoke kuti vaise simba ravo
kuti vabwinye. Haafari kana munhu achida kuratidza hunaku hwake hwemhando yepamusoro
nekuda kwake kuzvigutsa.
Anoshuvira
kuti mweya yavo izadzwe nemisimboti yedenga; nokudaro,apo vanosangana nenyika,vacharatidza chiedza chiri mavari. Kudzikama kwavo mukuvimbika mune chese chavanoita zvinoita kuti vajekese.”E.G.W. (The Ministry of Healing, cp. 2, p. 36)
Slide5“
Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa
wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi,
umurinzire
rimŋe
ʋo.” (Mateo 5:39)Hupenyu hweavo vaiteerera kuna Jesu hwainge husiri nyore. Vane simba vaisavabata zvakanaka, vazhinji vainge vapinda muzvikwereti uye vaishungurudzwa nevaiva kweretesa mari, masoja echiRoma vaivamanikidza pasina mubayiro.MHINDURO KUKUSARURAMISIRAZvirinyore kuti uzadzwe neruvengo muzvimiro zvakadai. Jesu akavadzidzisa kuti vangapindure sei nenzira kwayo, zvisingaratidzi ruvengo asi kunzwira
kune avo vasingadi kukomborerwa.Nguva zhinji hatigoni kuparadza zvachose kusarurama, asi tinogona kusarudza kuti tichaita sei pane chimiro chiripo: “Usakundwa neɀakaipa, asi ukunde ɀakaipa neɀakanaka.” (VaRoma 12:21).
Slide6“
Ngatimiririrei rudo rukuru rwaKristu nekuda vavengi vedu sekudiwa kwavanoitwa naKristu. Kana tikamiririra nyasha dza
Kristu,mifungo yakasimba yoruvengo inopwanyika uye rudo rwezvokwadi runounzwa. Vazhinji kupinda vatinoona
zvino vachatendeuka.”
E.G.W. (Medical Ministry, p. 254)
Slide7“
Asi ini ndinoti kwamuri: Iɗai ʋaʋeŋgi ʋenyu, munyeŋgeterere
ʋanokutambudzai.” (Mateo 5:44)Muvakidzani kana muvengi? Panguva iyo,VaSamaria vainzi vavengi vemaJudha,uye maJudhawo achinzi vavengi vemaSamaria.Zvakadaro Jesu akataura nyaya
yeidi yemuSamaria aiva “netsitsi” (Rk. 10:33)
apo
akaona mevengi wake achida rubatsiro.MABASA E RUDOMufungo wemupirisiti nemu Revhi: “Ndikamira kuti ndibatsire murume uyu, chii chichaitika kwandiri?”Mufungo wemu Samaria akanaka: “Ndikasamira kuti ndibatsire murume uyu, chii chichaitika kwaari?”Mifungo yevagari veHumambo Hwedenga: Kufunga pamusoro pezvidiso zvevamwe pane kuzvifunga.
Slide8“
Shandisa mukana wose waunowana kuti vakakutenderedza wawanewo mufaro, goverana navo rudo rwako. Mazwi
emutsa, kunzwira,kuratidza kutenda,zvinogona kuva kune uyo anotaMbudzika sekomichi yemvura inotonhora kune mweya
une nyota. Izwi
rekufara
, chiito chemutsa, zvinosvika kure pakurerutsa mitoro iri pamapfudzi akaneta. Muhushumiri hwekusava nechindini umo munowanikwa mufaro hwezvokwadi. Izwi rimwe ne rimwe uye chiito chakadayi zvakanyorwa mumagwaro ekudenga sekunge zvakaitirwa Kristu…Rarama muchiedza cherudo rwaMuponesi. Ipapo pesvedzero yako ichakomborera nyika. Rega Mweya waKristu ukutonge. Rega mutemo wetsitsi urambe uri
pamuromo pako narinhi.Kutsungirira uye kushaya chindini zvinenge zviri mumashoko nemuzviito zveavo vakazvarwa patsva,kurarama hupenyu hutsva muna Kristu.”E.G.W. (Testimonies for the Church, vol. 7, cp. 10, p. 49-50)
Slide9“
Asi taŋgai kutȿaka ʋushe bgaMŋari, nokururama
kwake; iɀoɀi ɀose ɀicawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33) Nyaya yemupfumi
na Razaro (Ruka 16:19-31), inotizivisa nezve mupfumi
aisava
nehanya kune zvaidiwa nevarombo.Muupenyu, zvainge zvakatenderedzwa nemumwe nemumwe wavo hazvina kushanduka; asi murufu,sekutonga kwa Mwari,zvimiro zvavo zvakashandurwa chose.ZVATINOISA PAMBERIMune mumwe muenzaniso (Ruka 12:13-21), Jesu anozivisa nezvemumwe mupfumi ainetseka nepfuma yake.Ainetseka nezveupenyu hwepasi rino chete, akarasikirwa neupenyu husingaperi.Mumienzaniso miiri iyi tinodzidza kuti chakakoshesesa kutsvaga humabo hwaMwari kutanga. Tinofanirwa kugoveranawo makomborero aMwari nevamwe.
Slide10“
Mwari anoshuwira kuti varume nevakadzi vararame hupenyu hwepamusoro. Anovapa zvinobatsira muupenyu, kwete kuti
vangowane upfumi nje, asi kuti vasimudzire masimba avo epamusoro nekuita
basa iro akapa
kuvanhu
kuti vaite-basa rekutsvaga uye kurerutsa zvidiso zvevamwe vanhuwo. Munhu haafanirwi kushanda achiita chindini asi afunge vamwe, achikomborera vamwe nekuda kwepesvedzero yake uye mabasa ake etsitsi.”E.G.W. (Mind, Character and Personality, vol. 2, cp. 71, p. 645)
Slide11“
Ɀino ʋakarurama ʋacamupindura, ʋaciti ’Ishe, takakuʋonai riniko munenzara,
tikakupai cokudya? kana munenyota, tikakupai cokunwa?’” (Mateo 25:37)Mienzaniso yaJesu pamusoro pekuuya kwake
kweChipiri (Mateo 25) irangaridzo pamusoro pekukosha kwekuzvigadzirira uye
tichirarama
zvinoenderana nemisimboti ye Humambo.Muenzaniso wehwayi uye mbudzi ndiwo mumwe wacho.Kuitira tsitsi uye hanya kuvamwe ibande rimwe rehuraramo hwakarurama.Havadi kufunga pamusoro pazvo.Uye,havadaidziri mabasa avo etsitsi kana kutarisira mubayiro pakuita izvozvo.Jesu anotambira mabasa atinoita kuti tibatsire avo vanoda rubatsiro sekunge tamuitira: “chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.” (Mateo 25:40)KUSHUMIRA VAMWE
Slide12“
Chokwadi sezvachiri muna Jesu chinoitira zvizhinji kune mutambiri, uye kwete iye oga, asi vose vakamutenderedza …
Haatarise zvinomuitira nyore zvino; haadi kuonererwa; haadi kurumbidzwa nevanhu. Tariro yake
irikudenga, uye
anoramba
akamira, meso ake ari pana Jesu. Anoita zvakanaka nekuti ndizvo zvakanaka, uye nekuti avo chete vanoita zvakanaka ndivo vachapinda muhumambo hwa Mwari. Ane tsitsi uye anozvininipisa, uye anofunga nezvemufaro wavamwe … Maitiro ake haasi ekumanikidza, sevasina huMwari mavari; asi anovhenekera rujeko rwekudenga kuvanhu.”E.G.W. (Testimonies for the Church, vol. 5, cp. 68, p. 569)